Psalms 20

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha ngaakupindure paunotambudzika;
zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.
2Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene,
uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.
3Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose
uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera
4Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako,
uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.
5Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako,
uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu.

Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira.

6Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake;
anomupindura ari kudenga rake dzvene,
nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi.
7Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza,
asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.
8Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa,
asi isu tinosimuka tigomira takasimba.

9Haiwa Jehovha, ponesai mambo!
Tipindurei patinodana!
Copyright information for SnaBDSC